Psalms 54

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?”

1Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu;
ndiruramisirei nesimba renyu.
2Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari;
teererai kumashoko omuromo wangu.

3Vatorwa vanondirwisa;
vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu,
vanhu vasingazivi Mwari. Sera

4Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu;
ishe ndiye anonditsigira.

5Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva;
muvaparadze pakutendeka kwenyu.

6Ndichakubayirai chipiriso chokungopa;
ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha,
nokuti rakanaka.
7Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose,
uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.
Copyright information for SnaBDSC